Luke 20

Vakabvunza kuti simba raJesu raibvepi

1Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari. 2Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”

3Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei, 4‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ”

5Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’ 6Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”

7Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”

8Jesu akati, “Neniwo handichakuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Mufananidzo waVarimi Vakaipa

9Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu. 10Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu. 11Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu. 12Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.

13“Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’

14“Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’ 15Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya.

“Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?
16Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”

17Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti:

“ ‘Ibwe rakarambwa navavaki
ndiro razova musoro wekona’?
18Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”

19Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.

Kuripa Mitero kuna Kesari

20Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati. 21Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi. 22Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”

23Akaona kunyengera kwavo akati kwavari, 24“Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?”

25Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”

26Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.

Kumuka kwaVakafa noKuwanana

27Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu. 28Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana. 29Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana. 30Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana. 31Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana. 32Pakupedzisira, mukadzi akafawo. 33Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”

34Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. 35Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, 36uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa. 37Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’ 38Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”

39Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!” 40Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.

Kristu Mwanakomana waani?

41Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? 42Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:

“ ‘Ishe akati kuna She wangu:
Gara kuruoko rwangu rworudyi
43kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako.’
44Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

45Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake, 46“Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. 47Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”

Copyright information for SnaBDSC